Hatina hurongwa hwekutengesa Maswanhise uye tichazama kumuchengeta, anodaro murairidzi we Motherwell

Murairidzi wechikwata cheMothewell, chinotambirwa naTawanda Maswanhise, Jens Berthel Askou, anoti havana hurongwa hwekunge vachitengesa mutambi uyu kunyangwe zvazvo ari kudiwa nezvikwata zvakawanda munyika yeScotland.

Maswanhise, uyo anotambira chikwata chenyika chemaWarriors uye aine makore makumi maviri nematatu ekuberekwa, ari kutamba zvakanaka chose mwaka uno, mushure mekunge anwisa zvibodzwa gumi nesere mimakundano ese kuScotland.

Ndiye mutambi akwanisa kunwisa zvibodzwa zvakawanda kupfuura vatambi vese mumakwikwi eScottish Premiership uye zvibodzwa zviviri zvaakanwisa nezuro, zvakaita kuti Motherwell ikunde Livingston 2 kwa zero.

Sezvo Maswanhise ari gutsaruzhinji kunyika yeScottlad, Askou akabvunzwa nevatapi venhau nezuro kuti Motherwell ichakwanisa here kumuchengeta sezvo zvimwe zvikwata zvekuru munyika iyi, zvakaita seCeltic neRangers zviri kuda kumutenga.

“Hatina tarisiro kana hurongwa hwekutengesa Tawanda parizvino. Kana achizotengeswa pamwe achazotengwa nekufamba kwenguva, kwete parizvino,” akadaro Askou.

“Panguva ino, tiri kungofunga nezve mutambo wedu wemusi weChitatu, apo tichatamba ne Dundee United, hatisi kufunga nezve kutengeswa kana kusatengeswa kwaTawanda,” akaenderera mberi Askou.

Zvisinei, mashoko aAskou anogona angori enyautsamukanwa kuvatsigiri veMotherwell, sezvo zvichatora kunetsa kuti chikwata ichi chinge chichichengeta Maswanhise, nekuti nyaya yekudiwa kwake nezvimwe zvikwata, yatekeshera kunyika yeScotland.

Mwaka wekutenga nekutengesa kwevatambi kuEurope, wakavhurwa musi wa1 Ndira uye uri kupera musi weChipiri chinotevera, naizvozvo pachada kuonekwa kuti Motherwell ichakwanisa here kuchengeta Maswanhise, kana kuti ichakurirwa nechidokwa-dokwa chekuti ipihwe mari pamutambi uyu.

Posted in

Lawrence Mangenje