DeMbare ichange ichitetena vanhu gore rino, Chawonza oudza zvikwata zvemu PSL kuti ngwarirai

Sachigaro wechikwata cheDynamos Vincent Chawonza, anoti ari kutarisira kuti DeMbare ichatetenha zvikwata zvakawanda mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League gore rino.

DeMbare zvanga zvakaimomotera gore rapera uye haina kunyatsotamba zvakanaka, izvo zvakaita kuti ipotse yaenda kwamuzivandadzoka, ikazopona nepa buri retsono.

Aiva murairidzi weDeMbare gore rapfuura, Kelvin Kaindu, akakwezvwa nechikwata chakapinda gore rino cheHardrock, uye mutambi aitungamirira vamwe Emmanuel Jalai, akaoneka mazuva matatu apfuura sezvo ava kunotambira Durban City kunyika yeSouth Africa.

Zvisinei, Chawonza anoti gadziriro dzemitambo yegore rino dziri kufamba zvakanaka, uye shoko rake kune zvimwe zvikwata, kunyanya zviye zviri kutarisira DeMbare pasi, nderekuti kuchachemwa.

“Tiri kugadzirira zvakanaka chose mitambo yegore ino. Murairidzi wedu Genesis Mangombe ari kuunganidza vatambi vedu, avo vatichazoratidza kuvatsigiri vedu pamabiko atichaita,” anodaro Chawonza pachikamu chevhiki rino cheFanzone.

“Ndinofara chose kuzivisa vatsigiri vedu kuti vabatsiri vedu panyaya dzemari, veSakunda Holdings, vanesu zvakare mwaka uno uye vakatotutsira pane rwavaimbopa.

“Tine zvakare makambani atiri kukurukura navo kuti vave vabatsiri vedu, vakaita sana Bola Bet vevamwewo.

“Kuburikidza nekurongeka kwedu gore rino, takakwanisa kuwana vatambi vanobva kunyika dzakaita seDemocratic Republic of Congo (DRC).

“Muchidumbi, ndiri kuti DeMbare ichashamika vakawanda gore rino, uye icharova zvikwata zvakawanda,” anodaro Chawonza.

Chawonza anoendera mberi achitsanangura kuti mutambi upi waanotarisira kunge achitora chinzvimbo chaJalai pakutungamirira vamwe gore rino.

“Murairidzi ndiye hake anozotora matanho, asi ndinooona sekuti Shadreck Nyahwa mutambi anoratidza hutungamiri hwakanaka naizvozvo ndinoona sekuti ndiye achapihwa chinzvimbo ichi,” anodaro Chawonza.

Leave a Comment

You must be logged in to post a comment.

Posted in

Lawrence Mangenje